Matthew 13

Mufananidzo wemukushi

1Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa. 2Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe.

3Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha. 4Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya. 5Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu. 6Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava. 7Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga. 8Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu. 9Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

Mabasa emifananidzo

10Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo? 11Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa. 12Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo. 13Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi. 14Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi. 15Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa. 16Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa. 17Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa.

Kududzirwa kwemufananidzo wemukushi

18Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi. 19Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira. 20Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro; 21asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa. 22Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. 23Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.

Mufananidzo wemashawi nezviyo

24Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. 25Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda. 26Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo. 27Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi? 28Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here? 29Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo. 30Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu.

Mufananidzo wetsanga yemasitadha newembiriso

31Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make. 32Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo.

33Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa.

34Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari; 35kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika.

Kududzirwa kwemufananidzo wemashawi nezviyo

36Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda. 37Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu; 38uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa. 39Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. 40Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. 41Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa; 42zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. 43Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.

Mufananidzo wefuma yakavanzwa

44Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo.

Mufananidzo wemaparera

45Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera* akanaka; 46akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga.

Mufananidzo wemumbure

47Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove. 48Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze. 49Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, 50uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.

51Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe. 52Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake.

Jesu unoshovorwa paNazareta

53Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo. 54Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba? 55Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here? 56Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese? 57Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make. 58Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo.

Copyright information for Shona